Svetukira kuzviiswa zvikuru

Hub yeKudzidza

Dzidza nezveEthereum

Nhungamiro yedzidzo mune zveEthereum. Dzidza pamusoro pekushanda kweEthereum uye kuti ungabatanidzwa nayo sei. Peji rino rinosanganisira zvinyorwa zvakareruka uye zvakadzama, makwara ekudzidzisa uye zvishandiswa.

Chii chinonzi Ethereum?

MaCryptocurrencies, akafanana nebitcoin anobvumira ani naani zvake kutumira mari pasi rese. Ethereum inokwanisawo kuita saizvozvo, asi inokwanisa kutekenya zvirairwa zvemichina zvinotendera kuti vanhu vagadzire zvishandiswa uye masangano. Dandemutande iri rakasimba uye rakatepuka: chirairwa chemuchina chemhando yese yese chinokwanisa kutekenywa paEthereum. Dzidza zvakawanda uwane kuti ungatanga sei:

Chii chinonzi Ethereum?

Kana uri mutsva, tangira pano kudzidza kuti sei Ethereum yakakosha.

Mufananidzo wemunhu akatarisa bazaar, zvichimirira Ethereum.
Chii chinonzi Ethereum?

Chii chinonzi ETH?

Ether (ETH) ndiyo mari inoshandiswa panetiweki nepamaapu eEthereum.

Chii chinonzi ETH?

Chii chinonzi Web3?

Web3 hurongwa hutsva hweindaneti hunokoshesa mvumo dzehupfumi nehudungamunhu hwako.

Chii chinonzi Web3?

Ndinoshandisa Ethereum sei?

Kushandisa Ethereum zvinogona kureva zvizhinji kuvanhu vazhinji. Zvichida ungada kupinda muchishandiswa, kusimbisa rupawo rwako, kana kutumira ETH. Chekutanga chauchada chikwama. Nzira iri nyore kugadzira nekushandisa sofutiweya inonzi chikwama.

Chii chinonzi chikwama?

Zvikwama zvepaindaneti zvakafanana nezvikwama chaizvo; zvinochengeta zvaunoda kuti uratidze humunhu hwako uye kuti uwane mvumo kupinda munzvimbo dzaunokoshesa.

Illustration of a robot.
Chii chinonzi chikwama?

Tsvaga chikwama

Tsvaga pamusoro pezvikwama uchishandisa zvakatsarukana zvakakukoshera.

Ndandanda yezvikwama

Ethereum networks

Save money by using cheaper and faster Ethereume extentions.

Choose network

Zvekufungisisa pakushandisa Ethereum

  • Kutsinhanisa kwega kwega kwepaEthereum kunoda mubhadharo weETH, kusanganisira nyangwe uchida kufambisa matokens akasiyana akagadzirirwa paEthereum akafanana neUSDC kana DAI.
  • Mubhadharo wekufambisa kutsinhanisa unogona kukwira mudenga zvichienderana nehuwandu hwevanhu vari kuedza kushandisa Ethereum, naizvozvo tinokurudzira kushandisa MaLayer 2s.

Ethereum inoshandiswei?

Ethereum yatungamira kugadzirwa kwezvishandiswa nemasevhisi matsva zvinokwanisa kuvandudza zvikamu zvakasiyana-siyana zveupenyu hwedu. Tichiri mumavambo ebasa iri asi kune zvizhinji zvekufara pamusoro pazvo.

Decentralized finance (DeFi)

Tsvakurudza pamusoro pehurongwa hwezvemari hwakasiyana hwakavakwa pasina mabhanga uye hunokwanisa kushandiswa naani zvake.

Chii chinonzi DeFi?

Stablecoins

Macryptocurrencies akaenzaniswa nekuoshwa hweimwe mari, zviwanikwa kana chimwe chishandiswa chinomiririra zvemari.

Chii chinonzi mastablecoins?

Non-fungible tokens (NFTs)

Kumiririra mvumo dzemuridzi hwezvinhu zvakasananguka, kubva kune zvekuratidzira humhizha kusvikira magwaro anoratidza mwene wezvinhu kusvikira kumatikiti ema concert.

Chii chinonzi maNFTs?

Decentralized autonomous organizations (DAOs)

Tendera nzira itsva dzekushandidzana pasina mukuru webasa.

What are DAOs?

Decentralized applications (dapps)

Vaka hurongwa hweupfumi hwepamakombiyuta hunoshandisika pakati nepakati pevanhu.

Ongorora madapps

Mikana mitsva ichangoburwa

Pane imwe misika yakakurumbira iri kugadzirwa kana kuvandudzwa neEthereum:

Kusimbisa netiweki yeEthereum

Unokwanisa kubatsira kuchengetedza Ethereum uye uchiwana mubairo panguva imwe chete kuburikidza nekuisa mukando weETH yako. Pane nzira zvakawanda dzekuisa mukando zvichienderana neudzamu hweruzivo rwako uye kuti une ETH yakawanda sei.

Kuita mukando paEthereum

Dzidza kuti ungaita mukando wako weETH sei.

Tanga mukando wako

Tanga node

Ita chikamu chakakosha mudandemutande reEthereum nekugadzira muchina wehumabharani.

Tanga node

Dzidza nezveprotocol yeEthereum

Zvevashandisi vanofarira zviri tekinikari zvenetiweki yeEthereum.

Kushandiswa kwesimba

Ethereum inoshandisa simba rakawanda sei?

Ethereum inoshandisa simba nenzira inochengetedza nyika here?

Mepu yenzira yeEthereum

Gwara reEthereum rinoita kuti ikwanise kukura, yakachengetedzeka uye ichikwanisa kuramba ichienderera mberi.

Tsvagurudza gwara rezvakarongwa

Ethereum Whitepaper

Pfungwa dzepamavambo dzezveEthereum dzakanyorwa naVitalik Buterin muna 2014.

Verenga bepa retsananguro

Dzidza nezvenharaunda yeEthereum

Kubudirira kweEthereum kunobva muboka redu rakazvipira kwazvo. Zviuru zvevanhu vane chido uye vanosundwa zvinobatsira kufambisa muono weEthereum mberi, uye vachipa chengetedzo kudandemutande kuburikidza nemikando nezvehurumende. Huyai tibatane!

Hub yenharaunda

Nharaunda yedu inosanganisira vanhu vanobva kwakasiyana siyana uye kwese kwese.

Mufananidzo wevavaki vari kushanda pamwe chete.
Tsvakurudza zvimwe

How can I get involved?

Wakasununguka (hongu iwe!) kupa nekuzivisa zvingabatsira nharaunda yeEthereum.

How can I get involved?

Nharaunda dzepaindaneti

Mapoka epaindaneti anopa mukana mukuru wekubvunza mibvunzo yakanyatsonanga kana kuti ungatanga sei.

Tsvakurudza nharaunda

Mabhuku uye mapodhikasiti

Mabhuku pamusoro peEthereum

Mapodhikasiti pamusoro peEthereum

Peji iri rakubatsira here?