Chii chinonzi Ethereum?
Hwaro hweramangwana redu
Gwaro renhungamiro revachiri kutanga pamusoro pekuti Ethereum inoshanda sei, zvakanaka zvainounza uye kuti iri kushandiswa nezviuru zvevanhu pasi rose.
Pfupiso
Ethereum inetiweki yemakombiyuta ari pasi rose anotevedza chitsama cherairo chinonzi Ethereum protocol. Dandemutande reEthereum ndiro hwaro remapoka, zvishandiswa, masangano nehupfumi hwepamichina inogona kuvakwa nekushandiswa naani zvake.
Unogona kugadzira akaundi yeEthereum uri kupi zvako, panguva ipi zvayo uye unokwanisa kuongorora munda wezvishandiswa kana kuvaka yako. Mongo weshanduko iyi ndeyekuti unokwanisa kutia zvese izvi usina vezvemitemo vanokwanisa kushandura mitemo kana kukudzivisa kushandisa.
- Free and global Ethereum accounts
- Pseudo-private, no personal information needed
- Without restrictions anyone can participate
- No company owns Ethereum or decides its future
Chii chinokwanisa kuitwa neEthereum?
Bhanga remunhu wese
Haasi munhu wese anokwanisa kuwana zvishandiswa zvakatarisana nezvemari. Unongoda masaisai eindaneti kuti ukwanise kushandisa Ethereum, nekukwereta, kukweretesa nepekuchengetera mari.
Indaneti yakavhurika
Ani naani zvake anokwanisa kudyidzana nedandemutande reEthereum kana kuvaka zvishandiswa pamusoro payo. Izvi zvinoita kuti ukwanise kurongedza hupfumi neumunhu hwako, pane kuti izvi zvichengetedzwe nemakambani mashomanene makuru.
Netiweki inoshandiswa nemunhu wese
Ethereum inokutendera kuroga, kugadzira zvibvumirano kana kutumira upfumi hwepamichina zvakananga kune vamwe vanhu. Hazvidi kuva nevamiririri pakati kuti zvifambiswe.
Kuramba kuvharidzirwa
Hapana hurumende kana kambani inotonga Ethereum. Zano rekupararira kubva pahunde zvinoita kuti zviomere ani zvake angaedza kukumisa kugamuchira mari kana kushandisa zvishandiswa paEthereum.
Tsigiro mune zvekutengeserana
Vatengi vane vimbiso yakasimba kuti mari dzinochinjana zvanza kana zvinodikwana zvapihwa. Saizvozvo, vavaki vanokwanisa kuva negutsikano kuti mitemo haizovashandukiri.
Zvitengeswa zvinovakika
Zvishandiswa zvose zvinovakirwa pablockchain rimwe chete zvichigoverana mamiriro mamwe chete anonzi shared global state, zvichireva kuti zvinogona kuvakidzana (sezvidhinha zveLego). Izvi zvinotendera kugadzirwa kwezvishandiswa zviri nani uye simbiso yekuti hapana anokwanisa kubvisa zvishandiswa zvinodikanwa navamwe.
Blockchain igwaro rine muunganidzwa wekuchinjana zvinhu rinovandudzwa nekugoveranwa pamichina yakawanda mudandemutande. Nguva yese panowedzerwa umbowo hwekuchinjana upfumi kugwaro iri, umbowo ihwohwo hunonzi "block' - zvichitipa zita rekuti "blockchain". Mablockchain eruzhinji akaita seEthereum anotendera ani naani zvake kuwedzera kwete kubvisa ruzivo. Kana mumwe munhu achida kuchinja zvakanyorwa kana kuda kubira marongerwo aya, anofanirwa kushandura zvakanyorwa pamichina yakawanda mudandemutande iroro. Zvino michina yacho yakawandisa. Izvi zvinoita kuti mablockchain akapararira akaita seEthereum ave akachengetedzeka.
Nei ndingada kushandisa Ethereum?
Kana uchifarira nzira dzakasimba, dziri pachena uye dzakavimbika mukubatidzana pasi rese, kugadzira masangano, kugadzira zvishandiswa zvemichina uye kugoverana pazvinhu zvakakosha, Ethereum yakagadzirirwa iwe. Ethereum inyaya iri kunyorwa nesu tose, saka huya uone umhizha hwatinogona kuvaka nayo pamwe chete.
Ethereum yakanyanyokoshera vanhu vanoshanda nekusagadzikana pamusoro pekuchengetedzeka, kusimba uye kukwanisa kushandisa kwese-kwese hupfumi hwavo nekuda kwemamiriro ezvinhu avasina simba pamusoro pawo.
Ndiani anotungamirira Ethereum?
Ethereum haitongwe nesangano rimwe chete. Inowanikwa kana paine macomputer akabatana achishandisa software inoshandisawo mitemo yeEthereum protocol uye ichiwedzera reEthereum. Imwe neimwe yemacomputer aya inonzi node. Node inogona kuitwa naani zvake, asi kuti utambe chikamu pakuchengetedzwa kwedandemutande, unofanirwa kuisa weETH (mari yepaEthereum). Ani naani zvake ane 32 ETH anokwanisa kuita izvi pasina kukumbira mvumo.
Kunyangwe rairo dzeEthereum hadzigadzirwe nesangano rimwe chete. Munhu upi zvake anokwanisa kupa pfungwa pamusoro pekushandura mirairo yeprotocol uye anokwanisa kutaura nezveumbiridzo. Pane kuitwa kwakasiyana siyana kwe Ethereum protocol kunogadzirwa nemasangano akazvimirira mumitauro yemichina yakasiyana, uye inowanzovakirwa pachena ichikurudzira vandudzo kubva kumapoka.
Chii chinonzi masmart contracts?
Masmart contracts zvirairwa zvemacoputer zvinorarama padandemutande reEthereum. Zvirairwa izvi zvinoshanda kana zvadenhwa nechinjano yatumirwa nemunhu. Zvinoita kuti Ethereum ive yakareruka zvakanyanya mune zvainokwanisa kuita. Zvirairwa izvi zvinoshanda sezvitinha zvekuvakisa zvishandiswa zvakapararira zvinonzi madecentralised applications nemasangano.
Wakamboshandisa chishandiswa chakashandura chibvumiro chekushandidzana pabasa? Kana chakabvisa chimwe chinhu chaikushandira kwazvo? Kana smart contract yangotepfenyurwa paEthereum, inenge yatove padandemutande uye inoramba ichishanda kana Ethereum ichingovapo. Kunyangwe munyori werairo idzodzi haakwanisi kudzibvisa padandemutande. Sezvo masmart contracts achizvitonga pamashandiro, haasarudze kana kusema vekushanda navo uye akagadzirira kushanda nguva ipi zvayo.
Mienzaniso ine mukurumbira yemasmart contracts inosanganisira zvishandiswa zvekukweretesa, misika yechinjano yakapararira inonzi decentralised trading exchanges, zveinsurance, zvekusimudzira amri zvinonzi quadratic funding, zvemitambo nekutandara zvinonzi ma social networks, - zvipi zvaungafunga pamusoro pazvo.
Sangana ne ether, cryptocurrency yeEthereum
Zvinhu zvizhinji padandemutande reEthereum zvinoda kuti paitwe rimwe basa pacomputer iri mumwongo weEthereum (unozivikanwa seEthereum Virtual Machine). Basi iri hariitwi pachena, rinobhadharwa ne ether (ETH), cryptocurrency yeEthereum. Izvi zvinoreva kuti unoda tu ether tushoma kuti ukwanise kushandisa dandemutande iri.
Ether ndeye dhijitari cheteuye unokwanisa kuitumira kuna ani zvake pasi rese pakare ipapo. Kuwanikwa kweEther hakuganhurwe nekambani kana hurumende - hwakapararira uye huri pachena. Ether inoburitswa nemutowo wakachenjererwa maringe nehurongwa wemashandire edandemutande kune vakaisa mikando yavo inochengetedza dandemutande.
Simba rinoshandiswa pagore mumaTWh pagore
Ko kushandiswa kwesimba neEthereum?
Musi wa 15 Gunyana 2022, Ethereum yakapedza umbiridzo yainzi The Merge yakashandura Ethereum kubva ichienda .
The Merge yaiva umbiridzo huru yeEthereum yakadzora kushandiswa kwemoto unodiwa pakushanda kweEthereum nezvikamu 99,95 kubva muzana, zvichigadzira dandemutande rakasimba rinoshandisa simba shoma. Ethereum yave zvino dandemutande rinodya moto mushoma uye richisimbisa chengetedzo nekukwanisa kukura kwaro.
Ndakanzwa kuti crypto iri kushandiswa mumabasa ezveumbavha nekutyora mitemo. Ichokwadi here ichi?
Sezvinongoitwa matekinoroji ese, dzimwe nguva ichashandiswa nepasipo. Zvisinei, nekuti chinjano dzese dzepaEthereum dzinoitika pablockchain riri pachena, zvinova nyore kuti vezvemitemo varonde kutyorwa kwemitemo tichienzanisa nehurongwa hwemari hwepasichigare, zvichiita kuti vanhu ava vatize Ethereum kana vachida kut vasaonekwa kana kubatwa.
Crypto hainyanyoshandiswi kupfuura mari yemazuva ese pabasa reumbavha nekutyora mitemo sezvinobuda kutsvagurudzo itsva yakaitwa neEuropol, European Union Agency for LawEnforcement Cooperation:
"Kushandiswa kwemacryptocurrencies pabasa rezvisiri pamutemo rinowanikwa pachikamu chidiki-diki chehupfumi hwemacryptocurrency, uye zvichienzaniswa, mari yacho ishoma kupfuura huwandu hwemari yezvisiri pamutemo inowanikwa kunezvemari zvepasichigare."
Ndeupi mutsauko uri pakati peEthereum neBitcoin?
Ichitangwa muna 2015, Ethereum yakavakwa panheyo dzekubudirira kweBitcoin asi iine mitsauko mikuru yakati wandei.
Dzese dziviri dzinokutendera kushandisa mari yedhigitari pasina vanofambisa zvekubhadharwa kana mabhanga. Asi Ethereum inokwanisa kupurogiramwa, naizvozvo unokwanisa kuvaka nekutepfenyura maapu panetiweki yayo.
Bitcoin intotitendera kutumira mameseji kune umwe pamusoro pezvatingafunga kuti zvakakosha. Kutara huremu pasina vatongi zvagara zvinopa simba kuvanhu. Ethereum inowedzera pasimba iroro: pane kungotumirana tsamba, unokwanisa kunyora purogiramu kana kuti sungano. Hapana muganhu pamhando dzesungano dzinogona kugadzirwa nekubvumiranwa padziri, naizvozvo kubudirira kukuru kunoitika panetiweki yeEthereum.
Apo Bitcoin iri netiweki yezvekubhadhara chete, Ethereum ine musika wezvemari, zvemitambo, manetiweki ekuvaraidzana uye mamwe maapu.
Verenga zvimwe
Nhau dzeEthereum dzesvondo rino - Muunganidzwa wenhau wesvondo rega rega unohwerengedza shanduko dzakakosha dziri kuitika munharaunda yedandemutande.
Maatomu, Zvikoro Zvedzidzo, Mablockchains - Mablockchain akakosherei?
Kernel Chiroto cheEthereum