
Kwekuwana ETH
Unogona kuwana ETH, kuitambira kubva kune vamwe vanhu, kana kuitenga kubva kuma exchange nemadapps.
Mutengo weETH weparizvino (USD)
Kuchinjana kunoitwa panzvimbo imwe chete
Exchanges mabhizimisi anokutendera kutenga crypto uchishandisa mari yemazuva ese. Ndiyo anenge achichengeta ETH yaunotenga kusvikira waitumira kuchikwama chaunodzora.
Wana ETH
Unogona kuwana ETH nekushandira maDAO kana makambani anobhadhara necrypto, kuhwina mabounties, kuwana zvinokanganisa mashandiro emapurogiramu emichina nezvimwe zvakawanda.
Gamuchira ETH kubva kune vamwe vako
Kana wangove nehomwe yeEthereum, chaunongoda kugovera kero yako kuti utange kutumira nekutambira ETH (nemamwe matokens) kubva kune imwe shamwari yako kuenda kune mumwe.
Decentralized exchanges (DEXs)
Kana uchida kuwedzera hudzori, tenga ETH uchishandisa . NeDEX unokwanisa kutengesa midziyo yako yepafoni usingarasikirwe nesimba rekudzora mari yako kune kambani imwe chete.
Zvikwama
Zvimwe zvikwama zvinokutendera kutenga crypto nemakadhi emabhanga, kutumira nemabhangi kana Apple Pay. Dziviso dzenzvimbo dzinoshandiswa.
Mibhadharo yemikando
Kana wanga uine ETH nechekare, unokwanisa kuwana yakawedzerwa nekugadzira muchina weumabharani wekutsinhira unonzi validator node. Unobhadharwa kuita basa rekuvherifaya muETH.
Zvigadzirwa zvose zviri papeji rino hazvina kupiwa mvumo yekupedzesera yekuva pano uye zvakangoisirwa kuti vanhu vawane kudzidza chete. Kana uine chaungada kuwedzera pano kana kuti kurudziro yaungada kupa maringe nemurau uyu endesa chichemo chako kuGitHub. Taura kana pane chirikunetsa
Unogara munyika ipi?
Maexchanges ane kwaanorambidzwa kutengesa crypto. Pane huwandu hwemishando inofungidzirwa kuti inoshanda munyika yega yega. Kuvemo muuhwandu uhwu hakusi kusimbiswa kwehuchokwadi - unofanirwa kuita tsvagurudzo yako wega!
Nyora zita renyika yaunogara kuti uone uwandu hwema-exchanges aunokwanisa kushandisa
Decentralized exchanges (DEXs)
Chii chinonzi maDEX?
Decentralized exchanges misika yakavhurikira munhu wese yeETH nemamwe matokeni. Misika iyi inobatanidza vatengi nevatengesi pamwe chete zvakananga.
Pachinzvimbo pekushandisa vamwe wetatu kuchengetedza mari panofambiswa mari, vanoshandisa kodhi. ETH yeari kutengesa inozotumirwa chete kana paine gutsikano yekuti kubhadhara kuchaitika. Mhando kodhi idzi inonzi smart contract. Zvizhinji pama-smart contracts
Izvi zvinoreva kuti pane ganhuriro yenharaunda shoma kana zvichienzaniswa nenzira dzinodzorwa panzvimbo imwe. Kana munhu achitengesa zvaunoda uye achitambira mabhadhariro aunokwanisa kushanda nawo, zvinenge zvaringana.
Unofanira unechikwama kuti ushandise DEX.
Wana chikwamaKuchengetedza ETH yako pakanaka

Zvakatumirwa nevemunharaunda pamusoro pechengetedzeko
Ethereum haidzorwi nesangano rimwe chete - inodzorwa nevanhu vakawanda.
Zvinoreva kuti unofanira kukoshesa nhau yekuchengetedza mari yako. NeETH, hausi kuvimba nebhangi kana kambani kuti ikuchengetere pfuma yako, uri kuzviitira vega basa iri.
Chengeta ETH yako muchikwama chako
Imwe ficha yakakurumbira yeEthereum ndeyekuti unogona kuchengeta hupfumi hwako kuburikidza nekumaneja homwe yako. Zvinoreva kuti hausungirwi kuvimba nerimwewo sangano, uye wakachengetedzwa kubva kune angaita zvisina kutendeka pakuchengeta pfuma, kana anenge abhuroka kana kubirwa. Zvinorevawo kuti unenge wava kutora mugove pachengetedzeka kwepfuma yako.
Tsvaga zvikwamaKero yako yeETH
Paunodhaunirodha chikwama, chinokugadzirira kero yeETH yeveruzhinji. Inoratidzika seizvi:
0x0125e2478d69eXaMpLe81766fef5c120d30fb53f
Muenzaniso: Usakopa
Ingoitora sekero yako yeimeiri, asi panzvimbo yetsamba, inokwanisa kutambira ETH. Kana uchida kutumira ETH kubva kuexchange kuchikwama chako, shandisa kero yako. Iva nechokwadi kuti waiongorora zvakakwana usati watumira!
Tevedzera mirairo yekushandiswa kwechikwama
Kana ukarasikirwa neakaundi yako, unorasikirwawo nemari yako. Chikwama chako chinofanirwa kukupa rairo dzekuti izvi zvisaitika. Iva nechokwadi kuti waitevedzera nemazvo - kazhinji, hapana anokwanisa kukubatsira kana warasikirwa neakaundi yako.